Nhambwe Dzongosienda
(NaDavid Mungoshi)
Muna Zvita mvura yanaya
taidya matufu nemashuku.
Kuzoti hute mugute mubani riya
raiva ‘jahwi,’ Changamire wangu.
Maroro kana aibva waizvinzwa mumhepo
Kungoti gare gare hedzo nzviro nenhunguru
Haiwa tsubvu hatitaure, tongomafura.
Nhasi uno changamire wangu
yangova nhorowondo.
Ndiani achaziva zhumwi kana n’ono?
Ndiani achiri kubvura nzungu mumunda
kana kukamira mukaka mudemhe redamba
achizoukodza pakarepo nemuto wematunduru?
Nhambwe dzongosienda, changamire wangu
Zvosvota semaonde kuona zvoita nyika
Mabasa aivava vokuuya ava!
Maitiro avo kuda kufumura zvinoera
Nhasi Mahomed Dada aripi
zvaakatsakatika mugomo tichazomuwana here?
Hamhenoka, zvichida tichasutswa nemasutso
ati kudai kuswedera aya, idzo haya dzatiwo zii
Dai bere rikarutsa imvi tingazive zvakawira vatsakatiki.